Job 22

Erifazi

1Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

2“Ko, munhu angabatsira Mwari here?
Kunyange munhu akachenjera angamubatsira here?
3Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama?
Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama?

4“Imhaka yokumunamata kwako here
zvaanokutsiura uyewo achikupa mhosva?
5Zvakaipa zvako hazvina kukura here?
Handiti zvivi zvako hazviperi?
6Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina;
wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka.
7Wakanyima mvura vakaneta
uye wakanyima vane nzara zvokudya,
8kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane minda yake,
uri munhu anokudzwa, agere pairi.
9Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu
uye wakavhuna simba renherera.
10Ndokusaka misungo yakakukomberedza,
ndokusaka njodzi ichikuvhundutsa,
11ndokusaka kuine rima usingakwanisi kuona,
uye mafashamu emvura achikufukidza.

12“Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here?
Tarira kukwirira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro!
13Asi imi munoti, ‘Mwari anoziveiko?
Ko, anotonga murima rakadai here?
14Makore matema anomufukidza,
saka haationi paanofamba-famba padenderedzwa ramatenga.’
15Ko, iwe ucharambira munzira yakare
iya yakatsikwa navanhu vakaipa here?
16Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika,
hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu.
17Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro!
Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’
18Sezvo ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka,
ndinomira kure namano avakaipa.

19“Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara,
vasina mhaka vanovaseka vachiti,
20‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa,
uye moto unopedza pfuma yavo.’

21“Zviise pasi paMwari ugova norugare naye,
nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri.
22Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make
uye uchengete mashoko ake mumwoyo.
23Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchadzoredzerwa:
Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako,
24uye ukaisa goridhe rako paguruva,
iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi,
25ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako,
iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa.
26Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose,
uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
27Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa,
uye iwe uchazadzisa zvawakapika.
28Zvaunotaura sechirevo zvichaitika,
uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.
29Vanhu pavanodzikiswa iwe ukati, ‘Vasimudzei!’
ipapo vakaderedzwa vachaponeswa.
30Achadzikinura kunyange uyo ane mhosva,
acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.”
Copyright information for SnaBDSC